Photo Manipulation

Jarawara

Fiction | Shona | 12 September 2025
Munyika yashe Zewena maigara imwe harahwa yainzi Jarawara yaizivikanwa nemukurumbira wekuumba hari, pfuko, mbiya nemimwe midziyo yemumba. Vazhinji vaiuya kuzotenga midziyo yeharahwa iyi kunyangwe mambo pachavo nekuti yaiumbwa nehunyanzvi hunotyisa. VaJarawara ava vaigara vari voga zvavo sezvo mudzimai wavo VaMoyondizvo vakanga vatove nemakore anosvika gumi nemaviri vashaya mushure mekurwara nechirwere chegomarara rezamu. Vaviri ava vaiva nevana vavo vatatu, Garikai, Yeukai naZvarehwanashe. Vatatu ava panguva iyi vakanga vatove nemhuri dzavo vachigara kuguta reHarare uko kwavakanga vaenda vachiti vaida kumbonotsvaga tsvigiri vozodzoka zvavo homwe dzazara neupfumi asi zvaingova zvivimbiso zvizere mhepo nekuti vatatu ava kubva zvavakanga vaenda hapana akazombodzoka kana kutumira munyu zvawo kuna baba vavo. Garikai ndiye aiva mukuru uye ndiye akatanga kuenda achiti aida kunotsvaga mari yekuti munin'ina nehanzvadzi yake vakwanise kupedza chikoro asi kwakaenda imbwa ndokwakaenda tsuro. Aenda iyeye tevere Yeukai mushure megore ndokunyangadika saizvozvo kwakuzonzwa nerunyerekupe kuti akatizira. Zvarehwanashe uyo aidaidzwa muchidimbu kuti Zvazvazva akatoita zvekutiza pamba ndokusiya audza vavakidzani kuti amboenda kunotsvaga pfuma yakatadza kuwanika nevaviri vekutanga.
Jarawara

Mazuva ekutanga VaJarawaya vaigara vachichema hupenyu hwavo. Munharaunda mavo hapana kana mumwe chete airatidza kuva nehanya navo sezvo paimbova nerunyerekupe rwekuti vaibata-bata uye kuti ndivo vakanga vauraya mudzimai wavo. Kubva kwakaita vana ava pamusha apa kwakabva kwaita kuti runyerekupe rwuya rwuvandudzike zvekuti zvakanga zvava kunzi vana ava vakatiza huroyi hwababa vavo. Vazhinji vaivaona vaingosekera mumoyo vachiti regai vambodya nhoko dzezvironda ndiwo mubayiro wekushereketa. Nekufambawo kwemakore VaJarawara vakapedzesera vajaira hupenyu hwavo hwekunhonga svosve nemuromo. Vakapedzesera vazvitambira kuti vakanga vasina vana kana munhu aimira navo saka vakatanga kuzvitsvagira raramo nemabasa emaoko. Nekuda kwekuti vakanga vakwegura vakanga vasisina simba rekurima madhunduru avo makuru vari voga. Kazhinji vaitsvaga anovarimira vomubhadhara nemari yavaiwana pakuumba hari nekuveza mbezo, migoti, mapadza nezvimwe.

Pese pavaivhunzwa nezve vana vavo vaingopindura kuti handina mwana. Mhinduro iyoyo yaisashamisa vazhinji sezvo dunhu rese raiva neruzivo rwezvakanga zvaitika. Zvisinei hazvo, nekufamba kwenguva nzara yakatanga kutama pamusha pavo maguta ndokugara ushe. Nerumwe rutivi zita ravo rakatanga kuita mukurumbira zvekuti kunyangwe mambo vakasvika pakuuya kuzovaona. VaJarawara havana kugumira pakuveza nekuumba chete, vakatanga kuita zvekuruka nhava dzemurara vodzishongedza nemavara akasiyana-siyana avaigadzira nekusanganisa miti yakasiyana-siyana. Dzaisangova nhava bedzi asi zvigaro, mhasa netsero dzemhando isina kumbenge yakaonekwa mudunhu iri. Dambudziko chete ravaisangana naro raiva rekuti vashoma vaiona runako rwebasa ravo zvichida nechikonzero cherunyerekupe rwuya. Mamwe mazuva VaJarawara ava vaifamba kuenda nzvimbo dzakasiyana-siyana vachitengesa basa ravo iri.

Zvino mumwe musi vakati vachifamba zvavo nenhava dzemurara dzavo idzi vakaona pamusha painge pakamira motokari ndokutsauka. Chinhu chekutanga chavakanga vadzidza pabasa ravo ndechekuti vanhu vedzimotokari vazhinji ndivo vaiona kunaka kwezvinhu zvavaigadzira uye vaizvitora nemutengo mukuru saka uyu waigona kuita mukana wavo zvakare. Pavakasvika pamusha apa vakatoshama kuona pagere vanhu vakawanda vaidya nekufara zvavo. Pachivanze pakanga pagere dare ranababa vaitandara nekunwa hwahwa, kurimwe rutivi kwaiva nemadzimai aitaura achiseka zvavo. Muimba yekubikira maibudawo mazwi evanhu vaifara imomo zvairatidza kuti pamusha apa paiva nemabiko. VaJarawara vakangokaruka vasvika mberi kwedare revarume riya vese vachibva vamira zvavaitaura ndokuvatarisa.

"Makadiiko vanangu?" Vakadaro VaJarawara vachitsveta zvinhu zvavo pasi kuti vauchire.

"Tinosimba baba makadiiwo?" Akadaro mazwi mazhinji kubva kuvarume vaye. Vana mai vaiva kwakadaro uko vakanga vanyararawo vachiedza kuona kuti harahwa iyi yaidei.

"Ndinosimba vanangu, ndine urombo kana ndakuvhiringai zvishoma. Ndiri kutengesa mabhegi evakadzi aya ndangoti zvichida mungangomafarire zvenyu." Vakabva vasimudza nhava dzavo dziya ndokuenda nadzo kwavaiva. Vese vakamabata-bata nekumaongorora mumwe wavo ndokuzoti, "ha-a matiwana tisina mari baba tingadai tatorera madzimai edu aya." Vakadzorera nhava dziye kunaVaJarawara ndokubva vaoneka zvavo ndokutanga kufamba vachienda. Vasati vambofamba chinhambwe chikuru vakanzwa mumwe wevarume vaye ava kuvadaidza.

"Ndipei rimwe chete ndimboratidza vadzimai vangu ndakambonzwa vachitaura nezvemabhegi iwaya," akadaro murume uya ndokupihwa rimwe chete achibva ananga muimba yekubikira. Akamboita nguva arimo ndokuzobuda akadungamidzana nemudzimai wake.

"Makadiiko baba." Akadaro mukadzi uya achikwazisa harahwa iya.

"Ndiripo zvangu mwanangu."

"Ndirikuda ka mapurse amurikutengesa aya mungandiite marii kana ndichitora akawanda?"

"Rimwe chete ndinoriita $3 saka imimi ndimi mungatotaure yamunokwanisa."

"$3? Ndinokumbirawo kuona ese zvaakaita." Harahwa iya yakabva yagashidza mukadzi uya nhava dzese dzayaiva nadzo achibva atanga kudziongorora dzese.

"Ndinokupai $5 papurse yega yega baba. Ndirikuda akawanda." VaJarawara vakashama nemashoko aya.

"Ndiwaya mwanangu sarudza aurikuda apa."

"Aya mashoma baba ndirikuda kana 50 chaiwo nekuti ndinonomatengesa kuUK. Pane wandaimbohodhera asi mazuvaano haasi kugadzira uye ake haana kutombonaka seaya apa aimaita $8. Saka ndiri kudzokera musi weChina chesvondo rinotevera saka munokwanisa kusvitsa nhamba yacho pa50 here?" VaJarawara vakanga vasisazive kuti zvaitaurwa izvi zvaiva zveidi here kana kuti vanhu ava vaida kutamba nepfungwa dzavo. Vakazobvuma vagashidzwa mari yenhava gumi nenomwe (17) dzavaiva nadzo ipapo. Vakatakurwa nemotokari iya ndokuendwa navo pamusha pavo sezvo mukadzi uyu aida kupaziva kuitira paaizouya kuzotora dzimwe nhava dzakanga dzasara. Waiva musi weChipiri kureva kuti vaiva nemazuva masere ekuita basa iri.

Musi weChitatu motokari iye yakadzoka zvakare ikawana VaJarawara vava nenhava dzinosvika makumi mana nedzitanhatu (48) ndokudzitora dzese kureva kuti VaJarawara vakatengesa nhava dzinosvika makumi matanhatu nedzishanu (65) kumukadzi uyu. Akasiya avimbisa kuti aizodzoka kupera kwemwedzi kuzotora dzimwe zana (100). Paakadzoka akatora dziri zana nembiri (102) kwakuzodzoka mwedzi waitevera ndokutora dzava zana nemakumi matatu nedzina (134). VaJarawara vakagumisira vasisakwanise kusvitsa nhamba yaidiwa nemukadzi uyu kwakutsvaga vakadzi vaviri vaivabatsira vachivabhadhara. Pakapera mwedzi mitatu vanhu vakanga vouya kuzohodha nhava idzi vakanga vava kusvika vashanu (5). Mwedzi wega wega harahwa iyi yakanga yava kutengesa nhava dzaisvika mazana manomwe (700) uye yave nevashandi gumi. Vamwe vemudunhu iri vakatanga kugadzirawo nhava idzi vachitengesa asi hapana akagona kusvika paharahwa iyi.

Pavanhu ava paiva nemumwe mukadzi aigara pedyo nepamusha paVaJarawara ava. Akatanga kuronga zvekuurayisa harahwa iyi kana kuitsvagira mhosva yekuti basa rayo iri rirove zvachose. Mumwe musi mangwanani akaidana kumba kwake achiti ane zvaaida kwairi. Payakasvika pamusha apa yakabva yapihwa pokugara mukadzi uya ndokubva ambobuda zvake panze. Akaita nguva refu ari panze kusvika mwana wake aiva mumba umu amuka ava kuchema. Harahwa iya yakambosiya zvakadaro ndokuzoita tsiye nyoro ndokuenda kunotora mwana uya uyo aiva muimba yokurara sezvo imba iyi yaiva nemakamuri matatu. Pavakapinda mumba muya vakawana mwana uya asina mbatya. Vakashama nazvo ndokutora zambiya raiva kumusoro kwake ndokumusimudza vachida kumuputiridza naro. Vasati vamusimudza mukadzi uya akabva angopindawo imomo.

"Aaa nhai sekuru imi murikuitei mwana wangu?" Akabva atanga kuridza mhere mukadzi uya ndokunobvuta mwana uya mumaoko aVaJarawara. Ivo vakanga vangomira vasisazive zvaiitika. Nguva iyoyo mumba imomo makabva mapinda vakadzi vaviri vachida kunzwa kuti mhere iyi yaiva yeyi. Pavakangoona VaJarawara imomo vakabva vanomira kwakadaro uko.

"Chiiko nhai asikana? Pane afa here?" Akabvunza mumwe wevakadzi vaya. Mukadzi uya haana kuvapindura asi akangoramba achichema nezita remwana wake. Ukuwo mwana wacho aiikwetsura mhere nerumwe rutivi. Kudoka kwezuva iri VaJarawara vakanga vaiswa muchitokisi nemhosva yekubata mwana chibharo. Vasati vapinda muchitokisi mambo akavaripisa mombe shanu idzo dzavakanga vasina ndokuzobvisa iri mari iyo yakapihwa amai vaya. Vakaripiswa mbudzi zvakare iyo yaipihwa mambo nekutonga kwaakanga aita mhosva iyi. Nyaya yavo yaiva nevapupuri vaviri vakanga vavaona mumba maiva nemwana wacho. Vapupuri ava vaiti harahwa iyi yakanga yapinda mumba mekurara umu zvisina mvumo yemuridzi nekuda kwekuti vaida kubata mwana uyu chibharo.

Vakaita mwedzi miviri varimuchitokisi vakamirira kutongwa kwenyaya yavo. Muchitokisi umu vairarama hupenyu hwakaoma kudarika zvavakanga vamboita hupenyu hwavo hwose. Mamwe mazuva vaimuka vachidirwa mvura zvisinei nechando chaiva kunze. Zuva rega rega vairohwa, nekuitiswa mabasa akaomarara nekuti vapari vemhosva dzechibharo vainzi vanofanira kuoneswa pfumvu chaiyo. Pakasvika zuva ravo rekutongwa vakanga vaonda zvekusara musoro chaiwo. Kwavari zvaisambova nemusiyano kutongwa kana kusatongwa nekuti vaiziva kuti vaizopihwa makore anosvika masere kana gumi varimuchizarira. Chavaitoshuvira zvavo ndechekuti Musiki avanzwire tsiye nyoro avatore zvavo vatevere mudzimai wavo.

Vachisvika kudare redzimhosva vakatungamirwa nevarindi vaviri kusvikira vapinda mukati medare. Vachipindamo munhu wavakatanga kuona ndiGarikai mwanakomana wavo wekutanga uyo ainge agere kwaiva nevanhu vaiona kufamba kwedare iri. Paakavaona akasimuka ndokumhanya kwavaiva. Varindi vaviri vaye vakaedza kumudzinganisa asi vakakundikana sezvo akasvikopfuma mberi kwavo.

"Garikai simuka hako mberi kwangu nekuti hupenyu hwangu hwauchinei newe. Usandinzwire tsitsi kuti ndakaiswa cheni idzi, tsitsi dzako dai dzaiva nebetsero ungadai wakadzishandisa pawakandisiya ndichigwesha muvhu. Chienda unozvichema iwewe nevana vako, hwangu hupenyu hauchinei newe." Vakadaro VaJarawara ndokutanga kufamba pamwechete nevarindi vaye vachisiya Garikai akapfugama. Vakasvikopfigirwa murukate rwavaizotongwa vakamira. Nguva iyoyo amai vekuvapomera mhosva vaye vakabva vapinda vakabata mapepa akanga abva kunachiremba airatidza kuti zvedi mwana akanga abatwa chibharo. Vakuru pavakati urombo imhosva vaisareva nhema, dai murume uyu aivawo nevekwake vangadai vakamubatsira kutsvaga gurukota raizomumirira asi aingovawo mhodzi yakawira paruvare.

Dare ravakuda kutanga gurukota raimiririra amai vaye rakabva rapinda ndokusanganidzana maziso naVaJarawara richibva rangovatsonya ziso. Vakanga vazivana. Gurukota iri raiva murume uya akavadaidza musi wavakaenda pamabiko vachitengesa nhava dzavo. Ndiro raiva nemudzimai wavaihodhesera. Vakabva vaoma mate mukanwa nazvo. Pasina nguva gurukota rehurumende rainzi rizovamiririra rakabva rangotiwo kwede dare richibva ratanga.

Dare richipera vamwe vaigunun'una vamwe vaifara vamwewo ndivo vaingotarisa vanyerere. VaJarawara vakaburitswa panze ndokubva vakombwa nevanhu vemapepanhau avo vaingovatora mifananidzo nekuvabvunza mibvunzo isingaperi. Vachiri mukupishana nemibvunzo iyoyo vashandi vavo vavaishanda navo kumusha vakabva vangosvikopinda muchaunga imomo ndokusvikovambundira. Vemapepanhau vakabva vatanga kutora mifananidzo zvakare. Pasina nguva gurukota rakanga richimiririra amai vaya rakabva rasvika ndokuenda navo pamotokari yaro iyo yainge imire kunze kwegedhi.

"Ndine urombo baba nekuti ndanga ndiri kudivi remuvengi asi sezvamangoonawo ndaedza kutema shiri mbiri nedombo rimwe chete."

"Waita hako mwanangu zvino ndichakutenda neiko?"

"Musanditende baba ndiro basa rangu kurwira vasinemhaka. Chimwe chandinoda kukuzivisai ndechekuti murikudiwa kudare musi weChitatu chatiri kupinda ichi nenguva dza10 mangwanani. Chikonzero ndechekuti amai ava varipe zvakapetwa katatu pane zvamakaripa imimi maererano nezvekukupomerai mhosva yamusina kupara. Chechipiri vachafanira kuripa mari yamaifanira kunge makawana mwedzi yamakanga muri muhusungwa. Mari iyoyo ichange yakapetwa katatu zvakare senzira yekuripa kunyadziswa, kurwadziswa, kushandiswa nekusvibiswa zita kwamakaita nekuti zvakatovhiringawo basa renyu. Ndinofunga ndizvo badzi zvandanga ndichida kukuzivisai musare zvakanaka baba." Akadaro murume uya achipinda mumotokari yake yerudzi rweBenz S320.

"Tine zvimwe zvatinoda kukuzivisai baba." Akadaro mumwe wevashandi vavo nguva yakapinda murume uya mumotokori yake. "Takasara tikatengesa mabhegi anosvika 9703 nekuti macustomer edu akawedzera kusvika pa23 naizvozvowo isu takazowedzera vamwe vashandi kusvika pa45. Zvakanga zvisisaite kuti tishandire pamusha penyu saka takataura nevanoita nezve kunyoresa makambani vakati vanokwanisa kutibatsira kunyoresa yedu uye kutitsvagira pekushandira pakakodzera. Svondo rimwechete iroro vakabva vatipa building hombe iri muno muHarare vachiti tinobhadhara $600 pamwedzi nekuti hapana magetsi. Ndipo patiri kutobva izvezvi tatadza kubata nguva dzedare nekuti tanga tiine order ye400 mabhegi anga achidiwa nhasi saka atotorwa kutaura kuno. Mutengo webhegi rega rega parizvino wava$10 nekuti tave kubhadhara zvakasiyana-siyana. Mabhegi edu takamavandudza futi ave kuwanika pamazera ese kubva pazvikwama kusvikira pamakuru ekuisa mbatya kana midziyo yakaita semalaptops. Tave kukwanisa zvakare kuisa mazipi pamabhegi iwayo. Ndisati ndakanganwa takasangana nemurume uyo achiti mwana wenyu. Akatiratidza imba yaakatenga achiti ndeyenyu yamuri kufanira kuzogara. Ndiye akatitsvagira dzimba dzatiri kuroja tese nevamwe vasara kubasa." Nguva iyoyo Garikai akabva asvikomira mberi kwababa vake vachibva vambundirana.

Comment


Recents

One Morning Dears image

One Morning Dears

You can see friend, a rooster is none of those things you can consider put in print, particularly if you are one whose reputation you earnestly value....


Jesus in Harare image

Jesus in Harare

They named them seven wonders, didn\'t they? They did—and it\'s really a shock to say there is one more, amid the squatters\' homes in Epworth. Seve...


Problem Solved image

Problem Solved

The sun was sitting on the horizon just behind the Harare Kopje bidding its last farewells to the Harare CBD. The only left evidence of its existence ...


Taku (my own true story) image

Taku (my own true story)

Ndakambokutaurirai here zvakaitika kwandiri? Waiva mwedzi wekutanga wegore ra2016 apo ndakanga ndichakamirira zvangu kubuda kwemaresults angu eO\' lev...


Vakangwara Havana Nhamo Chokwadi image

Vakangwara Havana Nhamo Chokwadi

Hakusi kuti ndiri munhu anofarira kunwa maningi kana kuti nditori chidhakwa chaicho, asi kuti zvinhu zvinongoitikawo munozviziva imi. Hwahwa handitonw...