Photo Manipulation

Taku (my own true story)

True Story | Shona | 12 September 2025
Ndakambokutaurirai here zvakaitika kwandiri? Waiva mwedzi wekutanga wegore ra2016 apo ndakanga ndichakamirira zvangu kubuda kwemaresults angu eO' level. Gore iroro ndaiva nemakore gumi nemanomwe (17) ekuberekwa. Semunhu aiziva kuti mukana wekuenderera mberi nechikoro waiva mushoma nekuda kwekushaikwa kwemari ndaivawo nedzimwe pfungwa dzekutsvaga chekusanoita. Mumwedzi iwowo ndakatanga kushanda mune imwe company yainzi Green World yaiita zvekutengesa mishonga yekurapa nekudzivirira zvirwere zvakasiyana-siyana. Kune vanoziva mashandiro ekambani iyi vanonzwisisa kuti unobhadhara mari kuti utange kushandamo uye ukapinda mukambani iyi hautambiriswe mari sezvinoita mamwe makambani asi unozotanga kuwana mari mushure mekunge wakwanisa kupinzawo vamwe mukambani iyi uye watengesa mishonga inoverengeka. Nekuda kwaizvozvo handina kukwanisa kubudirira kuenda mberi ndirimo, ndakangoita mwedzi mumwe chete ndichibva ndasiya.
Taku (my own true story)

Mazuva mazhinji ndakanga ndoswera zvangu ndiri pafoni yangu semunhu aisava nezvizhinji zvekuita. Rimwe zuva ndakasangana nepost yaVaStrive Masiyiwa papeji ravo repaFacebook yaidzidzisa kuvamba bizimusi kana basa rako wega. VaMasiyiwa vaiti kuti utange business rako hautarisirwe kunge uine mari zhinji kana hupfumi asi zvishoma zvauinazvo ipapo. Vakabva vapa muenzaniso waMoses paakatumwa kuIjipita naMwari vachiti Mwari haana kumupa chimwe chinhu asi tsvimbo yaaigara nayo iyoyo ndiyo yaakanzi aende nayo. Chandakadzidza papost iyi chaiva chekuti kuti ndibudirire ndaifanira kushandisa zvinhu zvandaiva nazvo nguva iyoyo. Pasi pezuva hapana chaiva changu kunze kwefoni yangu iyo yainge yakatsemuka-tsemuka kumeso kwayo kwese zvekuti ndaitoishandisa iri paAuto-rotate uye dzimwe nguva yaipota ichizvibaya-baya zvayo zvekuti ndaipedzesera ndangoitarisa. Kana ndaida kubudirira muhupenyu ndicho chinhu chega chandaifanira kushandisa ichocho.

Chekutanga ndaifanira kuwana nzira yekutsvagisa mari pafoni iyi. Svondo rese rakapera ndichitsvaga nzira iyi. Google yakandipa dzinodarika zana (100) asi padzese hapana imwe chete yaikwanisa kushanda kwandiri nekuda kwenzvimbo yandaiva nezvimwe zvaidiwa. Ndashaisisa ndakabva ndafunga zvangu zvekugadzira group rebusiness reWhatsApp. Ndakaita saizvozvo ndokuripa zita rekuti business online. Sezvo WhatsApp yakanga isati yavakuita zvema links ndakatanga kushambadza group iri mumaFacebook groups. Vanhu vainyora nhamba dzavo ndichidzitora ndodziisa mugroup riya. Sezvo mazuva acho WhatsApp group raizara nevanhu zana (100) bedzi zvakanditorera zuva rimwe chete kurizadza. Vanhu vakatanga kushambadza mabasa avo mugroup iri, mabhero, masolar panels, motokari nezvimwewo. Zvaiva pachena kuti ndaikwanisa kuwana nzira yandaitsvaga kuburikidza negroup iri asi zvakanditorera nguva refu kuti ndiiwane uye mauyiro ayakaita haasiriwo andaitarisira. Yakauya semessage kubva kune mumwe wevanhu vaiva mugroup iri. Message iyi yainge yakanzi, "Admin ndokumbirawo mundibatsire kuadvertiser mota yangu iyo." Pakabva patumirwa mifananidzo nemadetails ayo. Yaiva yerudzi rweNissan Tiida hatchback.

Kunyangwe ndisina kutaurirana nemurume uyu kuti aizondipawo pakadii kana ndakwanisa kutengesa mota yake, ndaiziva kuti ndaizowana muripo urinani. Ndakatora mifananidzo iya ndokunyatsoigadzira zvinoyevedza nePhoto Editor yangu yandaifarira ndokutanga kushambadza motokari iya mumagroups angu eFacebook. Pakuishambadza apa ndaitanga ndatega (tag) shamwari dzangu kusanganisira aimbova musikana wangu kuchikoro kuitira kuti aone kuti ndaakutengesawo mota. Masvondo matatu akasvika pasina kana munhu mumwe chete akandifonera maererano nezvemotokari iyi. Musvondo rechitatu imomo ndimo mandakatumirwa imwe message yainge yakanzi, "thanks admin mota yakazotengwa." Zvaiva pachena sezuva kuti handisirini ndakanga ndatengesa motokari iyi naizvozvo handina kana sisupenzi randakadya. Handina kuperera ipapo ndakagadzira rimwe group reWhatsApp rakanzi Car Deals Zimbabwe ndokurishambadza zvakare. Razara ndakatanga kutaura nemunhu wega wega ndichiti, "Hello boss, do you mind if I advertise your cars?"

Vazhinji vacho vaibva vati, "No, you can do it brother and how much would you expect in return?"

Semunhu akanga achiri kutya mari ndaibva ndati, "$100 would not put a hole in your pocket, I hope."

Vaibva vapindura kuti, "okay you can proceed brother, I'm sending you the pictures of the cars and their details shortly."

Saizvozvo ndakabva ndatanga kutengesa motokari mumagroups epaFacebook nepaWhatsApp nemamwe mawebsites. Mazuva aitevera ndakagadzira page rangu rakanzi Zim Cars For Sale ndokutanga kurishambadza nekushambadza motokari dziya pariri. PaWhatsApp ndaipota ndichigadzira mamwe magroups nekupinzwa mamwe evamwe.

Pakutanga ndaifunga kuti basa rangu rakanga rava kufamba asi ndakatanga kusangana nematambudziko akasiyana-siyana. Rekutanga raiva rekuti kafoni kandaishandisa aka kakatanga kuita dambudziko rekudzima-dzima nekuda kwekuremerwa nemagroup eWhatsApp aye. Izvi zvakatanga kuvhiringa basa rangu zvekuti ndakanga ndisisina chokwadi chekuti ndaizobudirira. Ndakabva ndafunga zvekuti nditsvage imwe foni hombe asi kuti ndiwane mari yacho ndokunge ndakakwanisa kutengesa mota imwe chete. Dambudziko rechipiri raiva rekuti ndakanga ndisisina nguva yekubva pamba. Ndakanga ndongoswera ndakati tsika tsika nefoni zvakaita kuti vabereki vatange kuchema-chema vachiti hapana basa randaiita kunze kwekuswera ndakati pweshe ndiri paWhatsApp. Pakutanga raisava dambudziko hombe asi nekufamba kwenguva hukama hwangu nevabereki hwangu hwakatanga kuvhiringika zvekuti naamai vangu takanga tisisataudzane zvakanaka nekuti vaiti raiva basa rudzii risangaunze mari inoonekwa. Nekuda kwaizvozvo ndaiwedzera kushanda asi kuwedzera kushanda uku kwaiva kuwedzera kufa kwefoni.

Mazuva akaramba achifamba zvakadaro kusvika musi wandakazoverenga rimwe bhuku rakanzi, Think and Grow Rich rakanyorwa naNapoleon Hill. Bhuku iri ndiro rakandipa mhinduro yezvandaitsvaga yekuzadzikisa zvidiso zvemoyo wangu. Ndakamuka mangwanani ndokutora pen nepepa ndokunyora izvi:

"On the 30th of April I shall be in possession of $100 which I shall use buy a brand new tablet. With that tablet I shall build the foundation of my new business. I shall work day and night with my old phone until that dream becomes a living reality. I believe and have faith that the Infinity Intelligence shall be on my side until this day."Ndapedza ndakabva ndaisa kapepa aka pasi pepillow. Kumadziro nepawadrobe ndakanamira tumwe tumapepa twakanyorwa zvimwe chetezvo. Mangwanani ega ega ndaimuka ndichiverenga kapepa kaye. Pese pandaiverenga mazwi aya ndainzwa shungu dzinotyisa zvekuti dzimwe nguva ndaitorova mubhedha zvakasimba. Zvisinei hazvo mazuva akafamba kusvika musi wa29 April pasina kana mumwe chete akanga ambofona kana kubhipa zvake. Musi iwoyo handina kuverenga kapepa kaye kana kubata foni yangu nekuti zvandaitarisira zvakanga zvakona. Ndakanga ndisina kana $1 muhomwe zvangu. Kurwadza kwazvo shamwari dzangu dzaimbouya kuzondiona dzakanga dzototanga kuseka nekuda kwaizvozvo.

Manheru ezuva iri foni yangu yakarira ndokutarisa ndikaona dziri nhamba dzandaisaziva. Ndakadavira ndokunzwa izwi rechirume richidavira, "Hello is this Mr Kafesu?"

"Yes boss."

"Okay is your BMW X5 still available?"

"Yes boss it's still available.""Okay is it diesel?"

"No it's petrol."

"Oh okay I thought it's diesel thanks though."

"I can find another one for you boss if you wish. Is your number on WhatsApp?"

"Yes."

"Okay I will inbox you as soon as possible."

Ndakabva ndatanga kunyora mamessage mumagroups aye ndichiti,
"I'm urgently looking for a BMW X5."
Nguva iyoyo foni yangu yakatanga kurira kasingaperi mamessage nemapictures emota achipinda. Mota dziya ndakabva ndadzitumira murume uye iye ndokuti,
"I'm sorry brother, I want a facelift. A BMW X5 Facelift." Ipapo ndakamboshaya kuti arikutii asi zvisinei ndakasandura message yangu zvishoma ndokunyora mumagroup aye zvakare ndichiti,
"I'm looking for a BMW X5 facelift." Ipapo hapana chandakawana.

Ndakanyora kwaari ndichiti, "I'm sorry boss I cannot find the car you are looking for right now, are you only looking for a BMW X5 or we can try something different?"
Iye akabva apindura kuti, "Mmm I was preferring a BMW but anyway you can try a Benz E class." Ndakatanga zvakare kutsvaga motokari iya sepakutanga mamessage akawanda akapinda zvakare. Ndakamutumira achibva afarira imwe chete. Akabvunza zvese zvaaida kuziva ndikamuudza achibva azoti,
"Ok you said where is it?"

"It's in Mbare along Simon Mazorodze opposite ZBC."

"Ok I'm in Bulawayo, I will drive throughout the night and we can have a deal in the morning. And what's your name by the way?"

"Just call me Taku."

"Ok Taku see you tomorrow."

Mufunge hama dzangu ndakanga ndisina kana $1 zvaro rekufambisa. Ndakaenda kuna mhamha zvikanzi handina ndokuenda kuna baba ndokuudzwa zvimwe chetezvo. Vanogona kunge vaiva nayo asi sevanhu vakanga vasisina chivimbo nebasa rangu vakaona sekwaiva kutambisirwa mari yavo mahara. Nguva dzakanga dzafamba zvokuti. Ndakabuda ndokunogogodza padoor remabhachura airoja pamba pedu. Ndichipinda ndakabva ndaona vachiri kutobika zvavo. Ndakavataurira nyaya yangu ndokubva mambonyararwa mukuru wacho ndokuzoti:

"Mari irimuno i$5 Taku asi dai waikwanisa kuwana change. Kana kuti Amon mupe $5 yacho handishaye plan kuseni." Saizvozvo ndakapihwa mari iya. Nenguva dza 6.05 mangwana ndakanga ndatove muna 3th street zvangu. Ndakaenda muSunshine City ndokumirira kufona kwemurume uya. Akazofona dzatove kuma8 ndatoneta zvangu nekumirira.

"Hallo Taku, I'm sorry that we can no longer have a deal today. I'm heading to ZITF right now, I've got some spechees to do there, can't we push our deal to tommorow?" Kana ndakambopererwa hama dzangu musi uyu ndakapererwa. Asi semunhu akanga aine nzara yezvishuwo handina kukasika kudzoka shure."Don't worry boss, you can do whatever you can do I will wait for you. When do you think you will be finished?" Ndakadaro achibva ati:"11.30 atmost. I will call you straight away."

11.30? Panga pakashata hama dzangu. Foni yangu yaiva ne5% chete ukuwo ini wacho ndakanga ndisina chandadya zvangu. Munongozivawo zvinoita dzungu, ndakanga ndamuka husiku chaihwo. Zvisinei hazvo ndakamirira kusvika nguva dzacho dzakwana. 11.30 dzichikwana hakuna munhu, 12.00 hakuna munhu, 12.30 hakuna munhu zvakare. Ndakafunga zvekunotsvaga airtime pa$4 yakanga yasara iya. Ndichibva kutenga airtime iyoyo foni yakabva yatanga kurira.

"Hello Taku, I'm done sorry nekuzononoka wena munongozivawo time dzechibhoyi. Saka ngatisanganei paJoina City."

Hama dzangu ndakamhanya kunge ndinopenga. Mota dzaizosara dzoridza mabhero ndave kutoyambuka imwe tara. Ndisati ndasvika foni yakarira zvakare ndichibva ndamira ndokuzvidzikamisa kuti ndisanzwikwe kuti ndaifemereka.

"Ndashaya parking paJoina huyai muna Robert Mugabe, ndiri mukaDemio keRed."
Ndakabva ndabereka tsoka zvakare. Munzira yaingova, "sori sori," ndichirovera pavanhu. Ndichisvika panosangana Robert Mugabe naAngwa ndakabva ndaiwona mota iya ndokugadzirisa tie nekunyatsopfinyira shirt. Ko ndakanga ndatoenda ndiri muformal ka neka bag kangu kanenge kapotfolio semunhu webusiness zve. Ndakabva ndanosvikogogodza window remota iya.

"Sorry ndine munhu wandirikutsvaga." Akadaro achiedza kundisudurudza pawindow paye.

"Ndini boss." Akabva ashama akanditarisa.
"Ndiwe Taku? Do you mean kuti ndiwe wandanga ndichitaura naye all this time?"
"Yes ndini boss." Akamboramba akanditarisa ndokuzonditi ndipinde mumota.

"Iwe mpfanha iwe usaite zvekutamba nepfungwa dzangu. Are you serious? Irikupi mota yacho?"

"I'm serious boss, mota irikuZBC kwandakakuudzai kuye regai nditaure nemukomana wacho izvezvi." Ndakabva ndafonera muridzi wemota achibva ati aiuya nemota yacho mutown imomo.

"15 minutes? Ha-a dzakawandisa ngatimbotendererei zvedu, where is the nearest carsale from here?" Akadaro achibva akwidza volume yeUB40 achibva asimudza mota achitambisa musoro. Hazvina kutora nguva refu kuti tisvike pacarsale iripanosangana Kenneth Kaunda naJulius Nyerere. Takaburuka mumota ndokupindamo.

"Heyi mota yakanaka iyi Taku." Akadaro achinongedza imwe Benz yaivamo hana yangu ichibva yatanga kurova sezvo ndaitya kuti aizotora iyoyo.

"Oh ine dent manje, dai isina dent yanga yakanaka." Akadaro akatarisa mumota iya.

"Ya-a zveshuwa dent ndiro rakazoinyangadzawo mhani." Ndakadaro zvangu apa ndaisatomboziva kuti chii chinonzi dent chacho. Foni yangu yakabva yarira.

"Ndasvika bro, ndakapaka paBata irimunaMbuya Nehanda. NdiMbuya Nehanda here kana kuti Sekuru Kaguvi? Hameno, asi wapaziva ka?"

Takabva tapinda mumota ndokuita hushamwari nemhepo. Tichisvika takaiona Benz yedu zvedu imirepo. Ko ndaimboziva kuti Benz ine twunhu twakawanda zvakadaro? Waingoona ichivhurwa apa, yovhurwa apo.

"Saka bhuku racho riripi?"

"Riri kuZBC." Takabva tapinda muBenz ndisu avo takananga ikoko. Veduwe Benz imota, mukaita mari dzenyu tengai Benz. Takasvika ndisati ndakuda. Muridzi wemota akabva atanga kutaura nevamwe vake ndokuzodzoka kwatiri.

"Sorry mudhara bhuku rasara kuKuwadzana asi vakomana vave kutomhanya kunoritora izvezvi. Within 30 minutes vanenge vadzoka."

"Ha-a vakomana itai zvinhu zvakarongeka mhani. Ndarara ndiri paroad apa handina chandadya since morning makundinonotsa kudai. Taku huya zvako kuno titsvage chekudya apo." Takabva tatanga kufamba tichienda kwaiva neBaker's inn. Takaidarika zvese nechicken inn ndisu uyo takananga muNandos. Kaiva kekutanga kubva pakusikwa kwenyika kuona ini ndichimhara muNandos kudaro. Kana kutofema hwema hwayo chaiko.

"Ndokutsvagira chii Taku?" Akabvunza apa isu hatina chataiziva zvedu takanga tisina kumbosiyana nechitunha nguva iyoyo.

"Anything boss isu torova zvese mudhara."

"Tipei icho chakanzi hungerbuster." Akadaro achibva apihwa chisimbi chaiva nenhamba pachiri tichibva tanogara zvedu pasi. Munguva pfupi pfupi chikafu changa chatouya. Yangu midzimu yakabva yandirasa ipapo, ko zvefork and knife izvi zvaimbova matiri here? Ndakashaya pekutangira ndokutanga kubaya-baya foni yangu zvangu ndichipota ndichidongorera madyiro aiitwa nemurume uya. Ndaona kuti ndakanga ndanzwisisa mabatirwo azvo ndakabva ndatanga mutambo wacho. Handidi kutaura zvakawanda hangu ipapo nekuti pakaitika zvinotyisa munozondiyeuchidza ndakafarisa ndokuudzai. Tapedza takabva tadzokera kuya ndokusvika bhuku rauya. Takapinda muBenz iya mari ichibva yatanga kuverengwa ichibatiswa ini. Ndakaita munhikwi nekuona mari zuva iroro ndikambofunga zvekuviga imwe mubhurugwa. Tabva ipapo vaviri ava vakabva vasainirana agreement of sale form ini ndokusaina sawitness. Tapedza ndokudzokera muBenz ndisu hutu takananga mutown zvakare tichienda kuna Commisioner of oaths. Tabvako ndakabva ndadaidzwa parutivi nemutengesi wemota.

"Wakati unoda marii zviya mafana?"

"$200 blaz."

"Pfutseke musoro bhangu mari yako iyi. Wakanyanya mafana mangwana uuye nemumwe futi." Akadaro ndokunditambidza $100 yakabatana ndichibva ndangoipfekera muhomwe yekumashure sezvinonzi yaisava chinhu kwandiri. Ndakabva ndadzokera muBenz iya zvakare iyo yainge yakamira parutivi pekaMazda Demio katakanga tauya nako ipapo.

"Taku! Mpfanha wandishamisa iwewe. I'm going to tell my wife about this, I really can't believe it. Surely you are a young soldier. Kugara kwandakaita muno it's because of you Taku...Kana kuti ngatidaiso. You drive that small car toenda kuBulawayo. Don't worry I'll pay you ndiri kuda kuti mukadzi wangu akuone because she can't believe it ndikamuudza nemuromo."

Ndakamutsanangurira kuti ndakanga ndisina license achibva afonera munin'ina wake kuti auye kuzotyaira imwe motokari yake kuenda nayo kuBulawayo.

"Saka kumba ndekupi manje?" Akabvunza akanditarisa. Ipapo ndakaona kuti ndikamuudza chokwadi kuti ndogara kuEpworth aigona kufungira kuti zvichida ndiri mbavha ndichibva ndamuti kuKambuzuma 2.

"Handiti road unodziziva ka? Ndogona kukusvitsako because kumirira munhu pano kunorwadza."

Jehovha wangu ndapinda tsekwende. "Munenge mabatsira chaizvo asi tisati taenda ndanga ndichida kumboona mudhara wangu paoffice pake paseri apo handitore nguva refu zvangu."

"No problem mpfanha wangu ndiri panapa."

Ndakabva ndabudamo ndokubereka tsoka ndakananga kuGulf.

"Tavhara hapasisina achabvumidzwa kupinda." Akadaro guard aiva pagedhi repaGulf ndichibva ndamusundira kwakadaro uko ndokupindamo ndiri mheni. Zvechokwadi wo kunze kwakanga kotosviba. Ndakakwidza kumusoro ndokusvikopinda muF16. Ndakaburitsa $100 iya ndokupa mukadzi aivamo ndichiti ndaida tablet raiva padisplay. Handina kubvunza price kunyangwe paakandipa change yangu handina kuiverenga ndakangoipfekera muhomwe ndokubudamo ndiri mheni zvakare. Ndava panze ndakabva ndananga kunaRezende.

"Overspill $1! Overspill $1!"

Ndakasvikopinda mukombi yaidhura yacho. Ndakabva ndagara zvangu kumberi ndokuburitsa kafoni kangu kekare ndichiti ndifonere murume uya ndimuudze kuti ndakanga ndisisakwanise kudzoka kachibva kadzima. Nguva iyoyo panze pakabva patanga kuitika ruzha ndokutarisa kuti chii chaiitika.

"Kombi yasungwa vabereki."

Comment


Recents

One Morning Dears image

One Morning Dears

You can see friend, a rooster is none of those things you can consider put in print, particularly if you are one whose reputation you earnestly value....


Jesus in Harare image

Jesus in Harare

They named them seven wonders, didn\'t they? They did—and it\'s really a shock to say there is one more, amid the squatters\' homes in Epworth. Seve...


Problem Solved image

Problem Solved

The sun was sitting on the horizon just behind the Harare Kopje bidding its last farewells to the Harare CBD. The only left evidence of its existence ...


Vakangwara Havana Nhamo Chokwadi image

Vakangwara Havana Nhamo Chokwadi

Hakusi kuti ndiri munhu anofarira kunwa maningi kana kuti nditori chidhakwa chaicho, asi kuti zvinhu zvinongoitikawo munozviziva imi. Hwahwa handitonw...


Ropafadzo image

Ropafadzo

Akanga achiri mangwanani, ndigere zvangu pakamushana kaGumiguru ako kaipota kachidzimaidzwa zvako nemakuti. Ipapo ndaitova zvangu nehurongwa hwekudzii...