Akanga achiri mangwanani, ndigere zvangu pakamushana kaGumiguru ako kaipota kachidzimaidzwa zvako nemakuti. Ipapo ndaitova zvangu nehurongwa hwekudziisa kamunya kangu asi chaindipa usimbe inyaya yekuti kakanga kasisina muriwo sezvo ndakanga ndamukira zvangu kuudya wakadaro. Munongozivawo pachibhachura zvekuti unenge watengawo kamuriwo kakanaka. Hazvina kunditorera nguva refu kufunga zano. Zano iri raiva rekunonetsa Timothy kuti andipewo 2 bond nditsvagire kamunya kangu aka bhanduru rekovho. Ndakatoti regai ndimbotanga ndadziya zvangu mushana zvekanguva kapfupi ndozogadzirisa zvekudya izvi. Pasina nguva ndakaona Benz tema ichinomira pagedhi. Ndakamboramba ndigere zvangu ndichida kuona kuti yaida ani sezvo varidzi vepandairoja apa vakanga vava nemazuva vabuda. Payakaona kuti handina kutombotirimuka zvangu yakabva yaridza bhero. Ndakasimuka pachituru changu ndokutanga kuendako. Ndisati ndasvika mutyairi wayo akabva aburuka ndokumhanya kwandaiva achidaidzira zita rangu. Ndakaoma mate mukanwa pandakangoona chiso chake icho chandakanga ndatokanganwa zvachose nekuvirikidzana kwemakore. Aiva mukadzi wechidiki mutsvuku aneupamhi huripakati nepakati. Akasvikondimbundira achiridza kamhere kekufara.
"Taku ndiwe?"
"Ndini zvangu gulez ndanga ndatokushayai ka ipapa." Ndakadaro ndichiedza zvangu kuviga nyadzi dzekuwanikwa ndichingori mugango renhamo nemunhu wandakanga ndapedzesera kuona kare kare. Kunyadza kwazvo ndainge ndakatopfeka zvangu kachikabudura kangu kandaiwanzoshandisa sechipfeko chemukati. Rutsoka rwainge rwakachena kuti mbu-u neshena mangwanani akadaro, ko dzaigozvidiiwo tsoka dzangu naiwo mazipatapata andainge ndakapfeka? Iye haana kumboita hanya nazvo zvake, akatobva andimbundira kechipiri.
Rake zita ainzi Ropafadzo, remwana richinzi Sharon. Saka vainzi mai Sharon uye vaimbova mudzimai wamukoma vangu nyakundisiira zamu chaivo. Winston kana kuti baba Sharon ndivo mukoma vangu nyakuroora mukadzi uyu. Haiwa-a vakambogara vose chaizvo, haikona nguva refu ka. Gore rimwe chete badzi. Gore iroro ndiro rakavapa mubairo wemwanasikana. Sharon ndiye mubairo wavakawana. Zvakawanda zvakaitikawo mugore rimwe chetero kusvika pavakasiyana. Kungosiyana kwavo ndiko kugumisira kuonana naRopafadzo uyu kusvika mangwanani aya. Ipapo ndaifanira kufara chaizvo nekuona maiguru vangu asi manje kamuraramiro kavakasvika ndichiita hakasiko ba. Kufara hangu ndakafara zvishoma nekuti ndaiziva kuti kamunya kangu kakanga katowana muriwo ipapa.
"A-aa kurasika mukadzi wako une chokwadi iwe? Asi wakatowana mumwe kani, he-e?" Ipapo ndakabva ndatokuvara zvangu nenyadzi ndokuzhinya ndichiyeva mapatapata angu.
"Ha-aa kana gulez ndanga ndarasiswa nemota ka iyi..." Yaisava mota yakanga yaita kuti nditadze kumuziva asi kuti iye pachake akanga ashanduka. Uyu aisava Ropa wandaiziva kare ba uyu. Ndaimuziva arimutete, mushava asina kana dama zvaro. Handaimbotadza kumurasika neshanduko yandakaona paari. Ganda rake pacharo rakanga rava kutaura musvo wemari chaiwo nekutsvukirira zvakaisvonaka kudaro. Iwo muviri wake wakanga watoumbika-umbikawo kani zvekuti varume vaimedza mate chete. Akanga ava tsvarakadenga chaiyo zvichiwedzerwawo nebvudzi rake tema-tema rainge rakasungirwa kugotsi uku richipota zvaro richitsvaira-tsvaira mafudzi ake. Ndaimbozviziva here kuti kana wabvumwa nemari chaizvo izwi rinoshandukawo chaizvo? Zvese izvi ndakazvionera pana Ropafadzo mufunge.
"Huya kuno Taku ndine zvandirikuda kutaura newe," akabva andibata ruoko ndokundivhurira door remota kuti ndipinde.
"Manje handina kukiya door ka plus sturu iri panze..." Ha-a zvipiko ndaimbotyira imba here? Ndaitorwadziwa zvangu nekusiya kamunya kangu. Akandisundira mukati memota, ndini kwede imomo neshena dzangu, imomo. Mbowo nemabori hazvidi tsananguro. Akabva avhara zvake door rake ndokuenda kunogara kurutivi rwemutyairi. Pasina nguva hinjini yakanga yatova muhupenyu tava kutonanaira zvedu tichipinda mumugwagwa. Rangu ziso raingova pamusiwo wemba yangu ndichingonamata kuti pasaite munhu anotora sadza rangu ndisati ndadzoka. Ndihwo hwaiva hupenyu hwangu hama dzadiwa.
Takafamba kweawa rese dzamara tapinda pagedhi reimwe imba huru yaitaura mari chaizvo nechimiro chayo badzi. Tichiburukamo Ropafadzo akabva andibata ruoko ndokupinda neni muzimba riya ndokundisiya ndanyura zvangu musofa achibva aenda muneimwe kamuri yaakaita nguva refu ari. Pane chandaisayemura here imomo? Ndaitoita kufemedza zvese zvaivamo kubva kumasofa kusvika kuchiringazuva chaiva kumadziro. Ndakatodemba zvangu kuti dai ndaigona kubatidza chivhiti-vhiti chaivamo ndambovaraidza zvangu maziso angu. Manje neshena yaiva kutsoka ndainzwa kusvoda zvekuti. Pava paya ndipo pandakazoona Ropafadzo avakudzoka akabata ndiro yechikafu nekomichi yaionesa drink tsvuku raivamo. Akagadzika chikafu chiya patafura mberi kwangu ndokuuya kuzogara parutivi pangu zvake. Nenyadzi ndakabva ndatonyepera zvangu kuita sendaisaziva kuti chaiva chikafu changu ndokutotanga kunyepera kuyeverwa zvangu nemadziro emba iyi kusvika azondiudza kuti ndidye. Ko takanga tichambozviziva here zvikafu izvi? Kumba kwangu ndaingoziva kuti ndikadya munya wangu kuseni ndozoita mahwekwe nerimwe sadza madeko.
"Varisei baba Sharo?"
"Ha-aa bhoo zvavo mazuvaano varikwaMurehwa uko."
"KwaMurehwa? Ko vakazofunga sei zvekunogara kumusha?"
"Hupenyu gulez, munhu unenge waona kuti zveHarare hazvisi kukuitira."
"Ho-o Sharo anogarovabvunza zvekuti, ndichatoita kuti amboendako. Iye ukamuona uchamuziva here? Yatove mhandara chaiyo, uchamuona hako abva kuchikoro masikati."
"Hooka, ndofunga ave kutotaura zvese."
"A-aaa urikuti achiri mudiki zvakadaro here? Grade 1."
"A inga akura."
"Saka chinzwa ka Taku chandakudaidzira pano. Ndofunga ndatove nemwedzi wakakwana ndichikutsvaga. KuGlen Norah kwamaigara namukoma vako ndakasvikako ndikanzwa kuti makabuda. Ndakatozonzwawo nevamwe kuti wave kuChitungwiza kwakutsvaga paunogara kusvika ndapaziva. Ndosaka wandiona ndichisvika kuseni kuno. Ndofunga uchiri kuyeuka rubatsiro rwawakandiitira pandakadzingwa sembwa nababa Sharo mazuva aye. Izvozvo handina kuzvibvisa muhana mangu kusvika nhasi uno. Shungu dzangu dzaiva dzekuti ndizokudzoserewo favour yawakandiitira paya. Hupenyu hwakambonditamba sebhora wena. Ufunge hako zvinoita Mwari uyu, ndakatozowana basa ndisingafungire iwo mazuva iwo aye. Raiva remumba haro asi rakandigamha zvekuti. Nemwana wangu kumusana ndichishanda zvangu. Ndakariwanira kuGreendale chaiko. Manje murungu wacho akazofunga zvekudzokera kuCanada kunyika kwavo kwakusiya anditsvagira rimwe basa kune imwewo shamwari yake asi arimunhu mutema zvake. Unongoziva vanhu vemabusiness ka ava, vanenge vachizivana-zivana. Saka ndakabva ndatanga kugara kuMt Pleasant ndichiita basa rekufidha huku nekutsvaira madzaigara. Ipapo ndipo pandakashanda kwenguva refu zvekuti boss vangu vakanga vavakunditemba chaizvo. Mwana wavo mukuru paakabva kuCalifonia nenyaya dzemabusiness avo idzodzi takabva tapindirana zvekuti mazuva mazhinji aitondibatsira basa. Ende hazvina kuperera ipapo, takatopedzesera tanhingirika...ta-aa tatozotanga kuwadzana chaizvo. Nekufamba kwenguva akatozofunga zvekunondibvisira kuvabereki vangu. Mushure maizvozvo takabva kuMt Pleasant kwakutanga kugara muno muVainona. Pano ndipo pandigere zvangu, Mwari akazongondiyeuka panguva yandakanga ndapererwa wena."
Pandaiteerera zvangu mashoko aRopafadzo aya ndainzwa kudziya kwemisodzi yangu ichiungana mumaziso. Ndakanzwa kubaiwa pamoyo chaipo ndichibva ndambomira kutsenga ndokutanga kurangarira mavambo erungano rwaRopafadzo.
Waiva musi weMugovera mumwedzi waChikunguru pandakakwira bhazi kubva kwaMurehwa ndichienda kunogara kuGlen Norah kumba kwamukoma vangu. Ndaiva nechinangwa chekunotsvaga zvangu basa semunhu akanga abuda zvakanaka pazvinyorwa zvangu zveO' level. Ndakasvikako zuvarovira ndokuwana iri bata-wabata mucheka wemugoverwa. Yaiva zhowe zhowe vanhu vachidzingirirana nechivanze, mukoma vangu kumashure maiguru mberi vachiikwetsura mhere. Ndichiri kumusha ndakanga ndangonzwawo kuti mukoma vakanga varoora ndikati chidadiso mumusha wedu. Musi uyu ndaitoti regai ndinoona maiguru vangu vandakanga ndangonzwawo kuti munhu chaiye, kwakusvikoona izvi. Vanhu vaingoona zvavo vamire kunze kwegedhi vamwe ndivo vaingopopota vamireko. Ndakakanda bhegi rangu pasi kwakutanga kumhanyisana namukoma vangu.
"Aewa kani mukoma haikonai kudaro kani! Honai maunganidza vanhu kani, regai kudaro imi!" Ndaichema-chema ndichivadhonza kusvika vazongonyarawo. Ko kwaingovawo kunyarwa kwekuti uri muenzi badzi pasina izvozvo waipihwa chematsenganzungu ukadya sora. Musi iwoyo maiguru vangu vakarara panze pamusiwo chaipo. Vaiti vakagugudza vomborara voedza zvakare asi rume harina kusandura moyo. Mhirizhonga iyi haina kuperera apa, mazuva mazhinji akazotevera maiguru vangu vaiti vakangovhiringa zvishoma nyaya yacho yaipera nechibhakera. Sezvo vaviri ava vakanga vasati vaane mwana vaingodanwa kunzi baba namai Marunze. Zvisinei hazvo maiguru vangu ndaivada zvokuti uye takapedzesera tave kunzwanana zvemandorokwati. Zvinhu ndizvo zvakanga zvisati zvave kufamba zvakanaka nekuti mukoma vaisaenda kubasa. Taingorarama wo nemari yetumadhiri twavaitsikisa ikoko hupenyu huchitofamba. Maiguru semunhu ainge akapasa wo kuchikoro vaitodawo zvekutsvaga basa asi mukoma vaisada kunzwa nyaya dzakadaro. Kwavari mukadzi wese aienda kubasa aiva hure.Nekufambawo kwenguva ndakanzwa nezveorganisation yaipa mascholarship ekunodzidza kuUnited Kingdom. Ndakati regai ndizamewo semunhu aiva nemaresults akanaka kwakusvikofarirwa. Ndakatoreswa emergence passport ndokuvhurirwa Visa Account ichibva yaiswa $500 yendege. Hama dzangu ndakafara zvokuti, handina kumbenge ndafungira kuti Mwari vaizondiyeuka zvakadaro. Ndakanga ndatosarwa nesvondo rimwechete badzi kuti ndioneke nyika yechizvarirwa pakaitika imwe mhirizhonga pamba pedu apa. Maiguru vangu vakanga vangokwaziswawo nezita ravo nemumwe mukomana wavaiti vakambodzidza naye kuchikoro hasha dzamukoma vangu dzichibva dzasimuka.
"Mukomana iyeye anokudaidza achikuti Ropafadzo pakayi? Haazive here kuti wakaroorwa? Hachisi chipfambi here ichi, huh? Handina kupusa wanzwa? Wanzwa here? Handina kuvharika! Ndirikuda kukutwasanura kusvika waita munhu wanzwa?" Ipapo vaidya zvavo marasha vachibaya-baya maiguru nemimunwe. Pavakada kuti vatsanangurewo chikonzero kwakubva vanyararidzwa nembama. Vakada kuti vatize vachibva vapingwa makumbo ndokudya sora. Varipasi kudaro vakabva vatanga kukaviwa mudumbu vachingoridza mhere varerepo. Vavakidzani ndivo vakazomhanya kunonunura. Nekunyara maziso evanhu mukoma vakabva vabuda pamba kwakunanga kubhawa. Ini ndakazosara ndosvika ava manheru ndichibva kufambira nyaya dzeVisa nepassport yangu. Ndakasvika ndokutsanangurirwa zvakanga zvaitika.
"A-aa nhai mwachewe hauna kunzwa kuti mukadzi wamukoma vako akuvara? Apondwa ka naivo mukoma vako ivavo, pachaita ngozi inotyisa pamusha penyu ipo paye ndiri kukutaurirai so," yakatsanangura imwe chembere yemuraini medu ichibaya-baya pasi netsvimbo yayo. "Izvezvi varikusurgery uko asi doctor arikutotaura kuti parikudiwa mari kuti va...va..kunonzi kudiiko uku muzukuru? Kwekuchekwa padumbu ka apa kuti mwana abude. Ehe-ee operation muzukuru, hanzi mwana anogona kufa nekuti maanochengetedzwa macho munenge matsemuka here kani kuti...handina kunyatsozvinzwisisa ini." Handina kuzombopedzesa kuteerera mashoko iwayo ndakanga ndotoita zvekutema gotsi nechitsitsinho ndakananga kumagirosa. Sezvo paiva nemasurgery maviri ndakanopinda yekutanga ndichibva ndavashaya kwakuzopinda yepiri ndiyo yavaiva. Ndakasvikobvunza chiremba vakanditi vakanga vasina chokwadi chekuti maiguru vangu vaizorarama kunyanya mwana aiva mudumbu ndiye ainzi akanga avapanjodzi huru kwazvo. Vakanditi paidiwa $160 kuti vakwanise kuburitsa mwana nenzira yekuvhiya dumbu raamai vake. Ndakavatsanangurira kuti mari yaiva mucard rangu vachibva vanditi vaiva nemushini weswipe kwakuvapa card riya ndokutora mari yavaida. Operation iyi yakatora maminitsi gumi nematanhatu badzi (16 min). Sezvo chiremba vaingova vega vakambosiya mwana aripasi ndokutanga kusona amai vacho. Nekuda kwekuti mwana uyu akanga asati asvitsa mwedzi yake yakakwana yekuzvarwa haana kana kumboti bufu zvake. Chiremba vakamuisa mumushini waiva negirazi rekuti aioneka nekunze. Mumushini imomo ndimo maakatanga kupirwa chikafu. Amai vake vakazotanga kukwanisa kufamba mushure memazuva matatu. Mishonga yavaipihwa zvese nekugaramo zvakasvitsa mari inokwana $33. Ndini ndakabhadhara mari iyoyo. Kuchengetwa kwaiitwa mwana arimumushini uya kwaiita $10 pazuva. Mushure memazuva mashanu ndakadzokera kuorganisation iya ndichinotsanangura dambudziko randakanga ndasangana naro.
"I'm sorry for your brother's wife Taku. I hope she and the baby will recover soon. Unfortunately we can't help you because of our organisation policies here. Since the money is from donors, it's always budgeted according to the expenses of every student. You see? At least you have a passport and a Visa account now, they can help you with different opportunities." Akadaro mumwe wevarume vaishanda muorganisation iya. Ndakabva ndanzwa kunge moyo wangu wabaiwa nebanga chairo. Ko zvandaiti Mwari vakanga vandibatsirawo wani.
Zvisinei hazvo mazuva akafamba. Mukoma vangu vakanga vasisaswere pamba nekuda kwezvavakanga vakonzera izvi. Ini namaiguru vangu taipota tichienda zvedu kunoona mwana kusurgery kuya. Mushure memasvondo maviri chiremba vakatizivisa kuti mwana akanga ava kukwanisa kuyamwiswa naamai vake. Vakati kuti aburitswe muchipatara paidiwa mari inosvika $160 sezvo akanga aita mazuva gumi nematanhatu (16) arimumushini uyu. Ndakabvisa pa$177 yakanga yasara mucard mangu mwana achibva aburitswa. Hama dzamaiguru vangu dzaipota dzichiuya kuzovaona apo neapo zvadzo uye dzizhinji dzacho dzakanga dzauya mazuva avakanga vachiri muchipatara. Vese hapana aida kubvisa mari nekuti vaiti mukwasha ndiye akanga akuvadza hama yavo. Ivowo mukoma vangu vaisambotirimuka zvavo asi musi wakauya mwana vakabva vatomutumidza zita. Vakamupa zita rekuti Sharon kunyangwe amai vake vakaedza kuriramba.Manheru erimwewo zuva mukoma vangu vakadzoka zvavo kubhawa kwavo vachidya marasha. Musoro wenyaya wainzi urikundireva kuhama dzako. Maiguru vakambotanga vachaedza kuzvimirira kusvika vazongonyarara zvavo. Shasha haina kunyarara semunhu aiziva hurongwa hwake.
"Kundinyeya kureva kuti handina kukukwanira ka? Saka pano pamusha pangu kwete handichada. Handichazvikwanise wo ini. Fambai fambai zvenyu asikana, pano hamuchadiwa, handiti makaona pasina kukukwanirai ka? Ehe-ee saka chiendai kunokuitirai." Maiguru vakambopfugama vakamboita zvekuchema chaizvo asi rume harina kudzora moyo. Kunyangwe kuti maiguru vachingorara kwezuva rimwe chetero vakaramba saka takabuda tese manheru iwayo ini namaiguru ndokunokumbira kuvavakidzani kuti vawane pekurara badzi. Vavakidzani vaiti maiguru vaifanira kuenda kuMantainance asi havana kuita hanya nazvo sezvo vaiziva kuti shasha iyi hakuna kwayaishanda. Zuva raitevera mangwanani takapinda mudhorobha tose tichibva tanoburitsa mari yese yakanga yasara mucard mangu kwakuvapa ndichiitira kuti vazobatsirikane nemwana. Senherera vakabva vafunga zvekuenda kwatete vavo kuWest Gate ndichibva ndavaperekedza. Ikoko havana kutambirika zvakanaka nekuti patakangopira tete nyaya iyi vakabva vatanga kushoropodza.
"Ndozvatinogarotaura kuti vana dzikamai asi munenge muchizviti mave kuziva chaizvo. Chitarisa zvawaitwa nhasi. Mhosva ndeyako nekuti ndiwe wakazvisarudzira wega mukomana benzi. Manje pano hapasi pa refugee camp pekutizira nhamo dzenyu. Ukauya pano wochitsvaga basa kwete kungoti zete-e senhanga. Kana wawana basa wotsvaga pako pekugara wakasununguka nekuti muno mutaundi hakusi kuruzevha. Hapana akavinga kuzotakura nhunha dzemumwe. Tiri tese here muzukuru?"
Pakuenda mai Sharo vakandiperekedza chinhambwe chekusvika kumakombi. Tiri munzira imomo ndipo pavakachema zvakandisiririsa zvokuti.
"Bamunini Mwari vandituka ini. Dai asiri mwana wangu uyu ndaiti kufa kurinani hangu. Mukoma venyu ndakavatadzireiko ini? Ndiudzeiwo bamunini. Chii chandakavatadzira chaizvo?" Ndakaedza kuvanyaradza asi havana kunyarara. Mwana akadzamara otochemawo arikumusana ikoko. Dai aiziva kutambudzika kwaiita amai vake angadai akanyatsochema chaizvo. Vamwe vanhu vainge votoyeva vachida kuziva zvaiitika. Ndakavapukuta misodzi ndokuvanyaradza neshoko rekuti: Chese chinoitika muhupenyu chine chinangwa uye chese chakaipa chinoitika chine rimwe rutivi rwacho rwakanaka saka zvakanga zvisina kufanira kuzvidya moyo nekuti Musiki pachake aiva nechinangwa. Chaidiwa kupa rutendo rwese maari neruzivo rwekuti aizoratidza hake chinangwa chake kumagumo. Kuipa kwechimwe kunaka kwechimwe. Hakuna chitsva chisingajairike kunyangwe hupenyu hutsva hunodzamara hwava hupenyu hwemazuvaose.
Ndaitaura kudaro hangu asi mukati mewangu moyo maiva nekutambudzika kukuru. Munongoziva kurwadza kunoita kupesana nemunhu wawakajaira. Ropafadzo ndaidada naye uye ndaida ave maiguru vangu zvachose asi kuronga hakusi kwedu. Ndiwo musi wandakagumisira kumuona. Pandakazodzoka ndichida kumuona tete vake vakanga vatama vavekuWarren Park. Handina kuzombonzwa nezvake wo futi kubva ipapo. Takagara tese namukoma vangu kwemamwe makore maviri. Mumakore maviri iwayo ndaipota zvangu ndichiwana mabasa enguva pfupi ndichishanda. Mushure maizvozvo mukoma vakazoti zvemuHarare ndazvikonewa kwakuenda kumusha. Iniwo nenyaya yekusada kuenda kumusha ndakabva ndambotanga kugara neshamwari yangu Timothy kuChitungwiza dzamara ndazotangawo kugara ndega muraini rimwe chetero. Ipapo ndipo pandakagara kusvikira musi wauya Benz ichisvikomira pagedhi.
"Saka Taku chekutanga chandakutorera ndechekuti svondo rinotevera ndiri kuchata. Ndakatopika namai vangu kuti muchato iwoyo hauitwe iwewe usipo. Chechipiri uye chakanyanya kukosha ndechekuti ndinoda kukutenda nekuponesa kwawakaita mweya wangu. Dai usiri iwe chokwadi ndingadai ndakafa pamwe chete nemwana wangu. Inini hangu kukuudza chokwadi handina chikuru chandinokwanisa kukuitira nemaoko angu aya asi baba vepano ndivo vakanditi vanezvikuru zvavanoda kukuitira. Vane imba yavo irikuMsasa Park yaimbogara mukoma wavo asati atanga kugara kuSouth, varikuitengesa saka ndakanzwa sekunge vakati vanogona kukutsvagira basa wopota uchiibhadhara mwedzi wega wega kusvika mari yavarikuda yakwana. Ndiri kungoitawo hangu makuhwa vachazokuudza vega. Pekugara usambotye hako kunyangwe inini ndokuitira zano. Chinhu chandoda kukuudza Taku ndechekuti wapinda machena chaiwo. Mudhara wepano anemari ukatamba naye zvakanaka anokuitira zvikuru. Ndiye aitondipusha futi kuti ndikutsvage. Iwewe chete ingova munhu akadzikama unozoona zvaanokuitira."
Ndaimbofungira kuti pachava negungano rakakura kudaro here? Motokari hadzaizivana mhai. Kana varungu taiva navo ikoko. Ini ipapo ndaionererwa zvishoma here? Ndaitoda kuti nyika yese izive kuti ndakapfeka sutu. Ndaimbogara pasi here? Ndakanga ndoita sebofu ranhonga pito muchitima. Zvimwe ndezvimwe hazvo muchato waRopafadzo wakanakidza hamawe-ee. Ndiwo wakava muchato wekutanga kuitwa mazuva maviri pasi rese. Vemapepanhau vakauyawo ipapo vakatipikicha-pikicha zvedu isu. Chaiva chidadiso chikuru kurudzi rwekwaMabhena nekwaKarimazondo. Sezvo vanhu vainge vakaganhurwa kuti vekwaMabhena kwavo, vekwaKarimazondo wo kwavo, ini ndakanga ndisina kwangu. Ndaingotevera zvangu kwandinenge ndaona musikana akatsvinda-tsvinda. Pakabuda vachati vachienda kunotorwa mifananidzo vanhu vakabva vatanga zvavo kudakadzwa nemimhanzi yakasiyana-siyana. Hamusi mudumbu makazondirwadza nguva idzodzo. Ma ice cream ka atakanga tadyira nhafu iwaya. Ndakati regai nditsvage ruyamuro kuzvimbuzi kwakufamba ndakananga ikoko. Ndichisvika pagonhi ndiye dhuma dhuma nemunhu wekuziva aitobudamo. Takaita nguva refu takatarisana pasina aida kutanga mumwe.
"Taku urikuitei pano?" Vakabvunza mukoma vangu mushure mekarunyararo. Mufunge zvenyu zvakanditorera nguva refu kuti ndibvume kuti zvedi ndimukoma vangu vandainge ndakatarisana navo ipapo. Ivo vakatokatyamadzwawo kundiona ndirimukati mesutu. Vakabva vaswedera pedyo neni ndokundibvunza nezwi riripasi. "Muchato waani?"
"Mirai nditange ndapinda mutoilet." Ndakadaro ndichibva ndamhanya mukati ndokuvasiya vakamira pamusiwo. Ndakaita nguva refu ndirimo ndokuzobuda zvangu pava paya. Ndichibuda vakabva vatotanga kuseka zvavo.
"Wabva wabuda waonda kudaiso mafana asi wanga warohwa necholera kani?" Vakadaro vachisimuka pasi pavakanga vatogara zvavo. Ndaitofunga kuti vakanga vasiya hunu hwavo hwekare nekukura asi ndakatoona kuti ngoma ndiyo ndiyo.
"Murikubva nepiko uye masvika sei pano?" Ndakabvunza ndavakutopfinyira zvangu sheti yangu.
"Mudumbu munin'ina. Ndanga ndichitodarika zvangu nenzira saka pandaona matoilets aya ndichibva ndasvetuka fence."
"Hoo nhai, mudumbu ndimo matisanganisa. Chihuyai kuno hamuna nzara here?"
"Ndicharega kunzwa nzara here nerwendo irworwu, ndiri kutobva kumusha kaipapa. Ko wati muchato waaniko wawauya wakaponda simati kudai?"
"Vabereki veshamwari yangu handei pamwe ndave kutotsvagwa izvezvi."
"Manje yandiri iyi inoita here mafana?"
"Huyai kuno blaz makutotsvagawo zvakawanda imi."
Ndakabva ndanhonga bhegi ravo ndisu avo takananga kwaiva neruzhinji. Tiri munzira imomo taibvunzana zvedu hupenyu nekukurukura zvose zvakazoitika mushure mekupesana kwedu. Tichisvika ndakabva ndapinda navo muimba huru yekunamatira (church) iyo yakanga yangosara nevanhu vaiverengeka. Tichipindamo ndakabva ndavati vasanogara pasi ndichiti ndaida kunotsvagira chikafu. Shasha yakabva yatoita zvayo mutambarakede ndokutoisa makumbo ayo zvayo pamusoro pebhenji raiva mberi. Ndichibuda panze ndakabva ndaona mota dzakanga dzabuda nevachati dzichipinda gedhi. Ndakatobva ndadzimirira zvangu kusvika vachati vave kuburuka pamwe chete nehama dzaivaiva nadzo. Pavakaburuka vakabva vatanga kufamba vachiuya kuimba iya yekunamatira.
"Ko Taku wasara sei? Ndanga ndati tiende wani?" Akabvunza Ropafadzo vanhu vaaiva navo vachibva vamira kufamba.
"Hezvo haasiriye here wawakauya naye kumba kwangu musi uya uyu?" Vakakanuka tete vaye pavakandiona.
"Ndiye tete hamuna kumuona here? Inga anga aripo wani nezuro pamakasvika paye, kungoti hamuna kuzonyatsomuona nekuti akabva azobuda nevakomana vemaruva...Huya ka tinzwe Taku." Nemashoko iwayo ndakabva ndatanga kutevera shure kwavo tichinopinda muimba yekunamatira iya. Tichiri panze takatanga kutambirwa nemimhanzi yairiramo nemazwi evanhu vairatidza kufara zvokuti. Mukati mewangu moyo ndaiziva hangu kuti chimbambaira chakanga choda kuputika. Tichipinda muya maziso angu akabva amhanyira paye pandakanga ndasiya mukoma wangu ndokuona iri nzvimbo badzi. Kumberi kwaiva nevanhu vaifara nekuimba. Tese takabva taita shungu dzekuda kuona kuti vanhu vaimbofarirei chaizvo mberi ikoko ndokufamba tichiendako. Tichisvikapo ndakashama kuona shasha ichiita seichaguka makumbo nekutamba. Yaiti ikazvimonyora yakadai yosanduka yokotamira, ikada yaibva yaita zvekukanda gumbo mudenga. Dai vaigona kutamba kwacho taiti vairatidzira chipo chavo, zvino kwaingova kurimbinyuka senyongorosi. Vanhu vandaiva navo vakabva vatangawo kuwokera vachirova maoko nemheterwa. Pakudaro manje shasha yakabva yaita manyemwe ndokutobva yawedzera kudzana. Hakusi kuvanyarira kwandaiita hama dzangu. Nguva yese yavaitamba iyi vainge vakafuratira kwataiva vachizvimonyora-monyora. Pavakamonyoroka vachicheuka kwataiva takabva tatarisana vachibva vafunga kuti ndakanga ndadzoka nechikafu ndokumira kutamba kwavaiita. Vasati vambodii vakabva vatarisana nechiso chaRopafadzo vachibva vaoma vakadaro. Parutivi pechiso chake ndipo paiva nechiso chatete vavo. Kurumwe rutivi kwaiva naPhillip murume wake mutsva. Munguva pfupi iyoyo mukoma vakatarisa zviso zvese izvi ndokuzotarisa kwandaiva zvakare. Ipapo mimhanzi yakabva yanyaradzwa.
"Ko imi masvika sei pano?" Akabvunza Ropafadzo shasha ichibva yaramba yakanditarisa. Haina chayakapindura kunze kwekudonha ziya rekutamba kwayaiita. "Taku ndiwe wavapinza pagedhi?"
"Aewa ndavaona vave muno."
"Saka mapinzwa nani pano?" Nguva iyoyo ndakaona mukoma vangu vachitarisa pasi. "Baba imi pindurai nekukasika nekuti tinogona kukudaidzirai mapurisa mukarohwa zvekuti."
"Zvandaita ndaaa...ndanda...ndandangoita zvekupoya fence ndichingoda kushandisa toilet. Ndave kubudamo ndabva ndasangana nemukomana uyu...Taku, ndikatoshamisikawo. Ndamubvunza kuti uri kuitei pano akati aripamuchato akatonditi muchato wevabereki veshamwari yake. Mufunge henyu dai ndaziva kuti ndewenyu ndingadai ndisina kumbosvika kuno. Nhai munin'ina wangu wabva wafunga zvekundinyadzisa pamberi pevanhu vese kudai. Hazvina mhaka hazvo chindisiyai ndiende hangu."
"Mukoma musacheme kunyadziswa nekuti hakuurayi. Dai kusiri kuda kwenyu ndingadai ndakawana scholarship yangu yekunze kwenyika. Dai musirimi zvimwe ndingadai ndiine hupenyu hurinani. Chamakandipa chironda chandisingafe ndakakanganwa nyangwe zvikadii. Musapomere ini kuti ndini ndakuitai izvi, azviita ndiMwari kuti mudzidze kuti hakuna munhu akashoreka pasi pezuva. Azviita kuti mudzidze kuti Mutongi ndiMwari. Ini ndaifanira kudzidza zvakanaka kwamuri asi hapana chandaikwanisa kudzidza apa. Ini handimbokurasei nekuti muri ropa rangu asi ndine shungu dzekuti muitewo zvinodadisa saizvozvi. Ndaitoshuvira kuuyawo kumuchato wenyu kudai. Zvisinei makasununguka henyu kuenda kwamuri kuenda kana muchizoda kundiona munofonera nhamba idzi." Ndakabva ndavagashidza kapepa kaiva nenhamba dzaRopafadzo. "Munobvumirwa zvenyu kubuda mukoma."
Vanhu vese vakaramba vakavatarisa vachisimudza bhegi ravo nekubuda. Vachibuda vanhu vakabva vatanga kuseka. Mimhanzi yakabva yadzoswa zvakare tichibva tatanga kutamba zvedu.
Mushure memuchato uyu Ropafadzo naPhillip vakaita svondo rese varikuhoney moon ndokuzodzoka zvavo. Pavakadzoka Phillip akabva anditora ndokuenda neni kuimba yake yekuMsasa Park. Akanditaurira kuti aiva nehurongwa hwekuti ndipote ndichiibhadhara mwedzi wega wega asi akazoronga zvekungoiisa muzita rangu pasina kana muripo umwe chete zvawo. Akati ndaizofanira kugara imba iyi mushure mekunge ndapedza zvidzidzo zvebusiness management zvaaida kuti ndiite. Saka akati ndaifanira kumbosanogara kumba kwake. Mushure maizvozvo akanditoresa driver's license ndokundipa imwe yemotokari dzake semubairo wekuti ndakanga ndakasika kubata zvidzidzo zvedriver's license izvi. Handidi kunyepa ndakafara hama dzangu. Ndaimboziva kuti hupenyu huchatambanuka zvakadaro here? Ndakayeukawo hama yangu Timothy wekumbondichengeta paye ndikataura naPhillip kuti amuwanirewo basa sezvo akanga atsvukira nekupusha zvingoro. Zvese zvaifamba zvakanaka chaizvo kusvika mumwe musi ndakatogara zvangu panze ndichitoshaya zvekuita.
"Taku! Taku! Pane munhu arikuda kutaura newe pafoni." Ndakatoshamisika kuti angava aniko iyeye anonditsvaga pafoni yaRopafadzo achitadza kufona pane yangu. Ndakamhanya kwaiva naRopa kuya achibva andipa foni yake.
"Hello."
"Ehe hello ndiWinston."
"A-aa mukoma murisei?"
"Ndiri right zvangu mafana. Ndine breaking news ka shamwari. Nditaure here?" Ndakashamisika kuti ndivo mukoma vangu vandaiziva here ava.
"Taurai zvenyu tinzwe." Ndakadaro ndichiseka.
"Ndirikuda kuti uuye kuzotora invitation card, ndine muchato muna August. Plus ndimi ka vapfanha vemaclarks ndirikuda kuti unditsvagire madancers wanzwa?"
Ndakashamisika wena.