Munyika yashe Zewena maigara imwe harahwa yainzi Jarawara yaizivikanwa nemukurumbira wekuumba hari, pfuko, mbiya nemimwe midziyo yemumba. Vazhinji vaiuya kuzotenga midziyo yeharahwa iyi kunyangwe mambo pachavo nekuti yaiumbwa nehunyanzvi hunotyisa. VaJarawara ava vaigara vari voga zvavo sezvo mudzim...
Runyanhiriri nyika ichigere zvayo kusvinura, zuva rakanga richiri chinhambwe chikuru kwazvo kudzoka kwarakanga ravhakacha. Ipapo sango rese rakanga richiri mubutiro redima nerunyararo rwunotyisa. Zvisikwa zvaNyadenga zvakanga zvichiri mukuzorora kweusiku zvichimirira kutambira zuva idzva kubva kuVat...