Ndakambokutaurirai here zvakaitika kwandiri? Waiva mwedzi wekutanga wegore ra2016 apo ndakanga ndichakamirira zvangu kubuda kwemaresults angu eO' level. Gore iroro ndaiva nemakore gumi nemanomwe (17) ekuberekwa. Semunhu aiziva kuti mukana wekuenderera mberi nechikoro waiva mushoma nekuda kwekushaikw...
Hakusi kuti ndiri munhu anofarira kunwa maningi kana kuti nditori chidhakwa chaicho, asi kuti zvinhu zvinongoitikawo munozviziva imi. Hwahwa handitonwe pese pese futi, ndinowanzonwa zvangu Muvhuro kusvika Chishanu chete, pamwe pese apa handibate. Ende yaisambova mhosva yangu futi pazvakaitika. Kamba...
Akanga achiri mangwanani, ndigere zvangu pakamushana kaGumiguru ako kaipota kachidzimaidzwa zvako nemakuti. Ipapo ndaitova zvangu nehurongwa hwekudziisa kamunya kangu asi chaindipa usimbe inyaya yekuti kakanga kasisina muriwo sezvo ndakanga ndamukira zvangu kuudya wakadaro. Munongozivawo pachibhachu...